Luke 1

Shoko rekuvamba

1Sezvo vazhinji vakabata kuronga nhoroondo yezvinhu zvakavimbika zvizere pakati pedu, 2sezvavakapa kwatiri ivo kubva pakutanga vakazvionera, uye vari varanda veshoko, 3zvakaonekwa zvakanaka kwandiriwo, ndanyatsoongorora zvinhu zvese kubva pakutanga, kuti ndikunyorerei nekutevedzanisa, imwi Teofiro changamire, 4kuti muzive chokwadi chezvinhu zvamakadzidziswa.

Zakaria anoziviswa kuberekwa kwaJohwani Mubhabhatidzi

5Kwaivapo nemazuva aHerodhe mambo weJudhiya umwe mupristi wainzi Zakaria, weboka raAbhiya; nemukadzi wake waibva kuvanasikana vaAroni, nezita rake riri Erizabheti. 6Uye vari vaviri vakange vakarurama pamberi paMwari, vachifamba nemirairo yese nezviga zvaIshe, vasina chavangapomerwa. 7Uye vakange vasina mwana, nokuti Erizabheti wakange ari mhanje, uye vakange vaenda pamakore vari vaviri.

8Zvino zvakaitika kuti wakati achiita ushumiri hweupristi pamberi paMwari, pachidanho cheboka rake, 9maererano netsika yeushumiri hweupristi, wakabatwa nemujenya kuti apise zvipfungaidzo zvinonhuhwira apinda mutembere yaIshe. 10Zvino chaunga chese chevanhu chakange chichinyengetera kunze nenguva yezvipfungaidzo zvinonhuhwira. 11Zvino kwakaonekwa kwaari mutumwa waIshe, amire kurutivi rwerudyi rwearitari yezvipfungaidzo zvinonhuhwira. 12Zvino Zakaria wakati achimuona akanetseka, kutya kukamuwira. 13Asi mutumwa wakati kwaari: Usatya Zakaria; nokuti munyengetero wako wanzwikwa, nemukadzi wako Erizabheti achakuberekera mwanakomana, ugotumidza zita rake Johwani. 14Uye uchava nemufaro nekupembera, nevazhinji vachafarira kuberekwa kwake. 15Nokuti achava mukuru pamberi paIshe, haangatongonwi waini kana zvinodhaka; uye achazadzwa neMweya Mutsvene kunyange kubva padumbu ramai vake. 16Nevazhinji vevana vaIsraeri achatendeusira kuna Ishe Mwari wavo; 17uye iye achafamba pamberi pake mumweya nesimba raEria, kutendeusira moyo yemadzibaba kuvana, nevasingateereri kuuchenjeri hwevakarurama, kugadzirira Ishe vanhu vakagadzirwa. 18Zakaria akati kumutumwa: Izvozvi ndichazviziva nei? Nokuti ini ndava mukweguru, nemukadzi wangu waenda pamazuva ake. 19Mutumwa achipindura akati kwaari: Ini ndini Gabhirieri, anomira pamberi paMwari; ndatumwa kuti nditaure kwauri, ndikuparidzire mashoko awa akanaka. 20Zvino tarira, uchava chimumumu, usingagoni kutaura, kusvikira zuva rinoitika zvinhu izvi, nokuti hauna kutenda mashoko angu, achazadziswa nenguva yawo.

21Vanhu vakange vakamirira Zakaria, vakashamisika nekunonoka kwake mutembere. 22Zvino wakati abuda, akakonewa kutaura kwavari; vakaziva kuti akange aona chiratidzo mutembere; iye akavaninira nemaoko, akaramba ari chimumumu. 23Zvino zvakaitika kuti mazuva okushumira kwake akati achangopera, akaenda kumba kwake.

24Zvino shure kwemazuva iwayo, mukadzi wake Erizabheti akatora mimba, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti: 25Ishe wandiitira saizvozvi nemazuva aakanditarira, kuti abvise ruzvidzo rwangu pakati pevanhu.

Maria anoziviswa kuti achabereka Jesu

26Zvino nemwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhirieri wakatumwa naMwari kuguta reGarirea rinonzi Nazareta, 27kumhandara, yakange yatsidza kuwanikwa nemurume zita rake raiva Josefa, weimba yaDhavhidhi; uye zita remhandara riri Maria. 28Mutumwa akapinda kwaari akati: Hekanhi, iwe une nyasha! Ishe anewe, wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi. 29Iye wakati achimuona akanetseka neshoko rake, akafunganya kuti uku kukwazisa rudzii kwakadai. 30Zvino mutumwa akati kwaari: Usatya Maria; nokuti wawana nyasha kuna Mwari. 31Zvino tarira, uchava nemimba, ugozvara mwanakomana, uchatumidza zita rake kuti Jesu. 32Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana weWekumusoro-soro; Ishe Mwari achapa kwaari chigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi. 33Achatonga pamusoro peimba yaJakobho kusvikira narinhi, neushe hwake hahungavi nemugumo. 34Maria ndokuti kumutumwa: Izvi zvingava sei, nokuti handizivi murume? 35Mutumwa akapindura akati kwaari: Mweya Mutsvene uchauya pamusoro pako, nesimba reWekumusoro-soro richakudzikatira; naizvozvo icho chitsvene chichaberekwa newe chichanzi Mwanakomana waMwari. 36Uye tarira, Erizabheti hama yako, iyewo wava nemimba yemwanakomana pakuchembera kwake; nemwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye wainzi mhanje. 37Nokuti naMwari hakuna chinhu chisingazogoneki. 38Maria ndokuti: Tarirai, murandakadzi waIshe; ngazvive kwandiri seshoko renyu. Mutumwa ndokubva kwaari.

Maria anondoshanyira Erizabheti

39Zvino Maria akasimuka nemazuva iwayo akaenda kunyika yezvikomo nekukurumidza, kuguta raJudha; 40akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erizabheti. 41Zvino zvakaitika kuti Erizabheti wakati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akatamba mudumbu rake; naErizabheti akazadzwa neMweya Mutsvene, 42akadanidzira nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati pevakadzi, uye chakaropafadzwa chibereko chedumbu rako! 43Ko zvandibvira nepi, kuti mai vaIshe wangu vauye kwandiri? 44Nokuti tarira, inzwi rekukwazisa kwako rangoti richisvika munzeve dzangu, mwana watamba mudumbu rangu nemufaro. 45Uye wakaropafadzwa anotenda, nokuti zvakataurwa naIshe kwaari zvichazadziswa.

Rwiyo rwaMaria rwekurumbidza

46Maria akati: Moyo wangu unokudza Ishe, 47nemweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu; 48nokuti wakatarira kuninipiswa kwemurandakadzi wake; nokuti tarira, kubva zvino mazera ese achati ndakaropafadzwa. 49Nokuti ane masimba wakandiitira zvinhu zvikuru; nezita rake idzvene. 50Netsitsi dzake dziri kuna avo vanomutya kubva kumazera kusvika kumazera. 51Wakaita zvine simba neruoko rwake; wakaparadzira vanozvikudza mundangariro dzemoyo yavo. 52Wakaburusa vane masimba pazvigaro zvoushe, akasimudza vakaderera. 53Vane nzara wakavagutsa nezvinhu zvakanaka, asi vafumi wakavaendesa vasina chinhu. 54Wakabatsira Israeri muranda wake kuti arangarire tsitsi, 55sezvaakataura kumadzibaba edu, kuna Abhurahama nekumbeu yake kusvikira rinhi narinhi. 56Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumba kwake.

Kuberekwa kwaJohwani Mubhabhatidzi

57Zvino nguva yaErizabheti yekusununguka kwake yakazara; akabereka mwanakomana. 58Zvino vavakidzani nehama dzake vakati vanzwa kuti Ishe wakange amuitira tsitsi dzake huru, vakafara naye. 59Zvino zvakaitika kuti nezuva rerusere vakauya kuzodzingisa mucheche, vakamutumidza maererano nezita rababa vake Zakaria. 60Asi mai vake vakapindura vakati: Kwete, asi achanzi Johwani. 61Vakati kwaari: Hakuna munhu kuhama dzako anodaidzwa nezita iri. 62Vakataura nemaoko kuna baba vake, kuti vanoda kuti anzi ani. 63Vakakumbira chinyorero, vakanyora vachiti: NdiJohwani zita rake; vakashamisika vese. 64Muromo wake ukazarurwa pakarepo, nerurimi rwake rukasununguka, akataura, achirumbidza Mwari. 65Kutya kukawira vese vaigara vakavakomba; nemashoko awa ese akataurwa kunyika yese yezvikomo yeJudhiya. 66Zvino vese vakanzwa, vakazviisa mumoyo mavo, vachiti: Mucheche uyu achazova ani? Uye ruoko rwaIshe rwakava naye.

Kuporofita kwaZakaria

67Zvino Zakaria baba vake vakazadzwa neMweya Mutsvene, vakaporofita, vachiti: 68Ngaarumbidzwe Ishe Mwari waIsraeri, nokuti wakashanyira nekuita rudzikunuro kuvanhu vake; 69akatisimudzira runyanga rweruponeso mumba maDhavhidhi muranda wake; 70sezvaakataura nemuromo wevaporofita vake vatsvene, vakange varipo kubva pasichigare; 71ruponeso pamhandu dzedu, neparuoko rwavese vanotivenga; 72kuitira madzibaba edu tsitsi, nekurangarira sungano yake tsvene, 73mhiko yaakapika kuna Abhurahama baba vedu; 74kutipa, kuti tasunungurwa muruoko rwevavengi vedu, timushumire tisingatyi; 75muutsvene nekururama pamberi pake mazuva ese eupenyu hwedu. 76Newe mucheche, uchanzi muporofita weWekumusoro-soro, nokuti uchatungamira pamberi pechiso chaIshe, kugadzirira nzira dzake; 77kupa ruzivo rweruponeso kuvanhu vake mukanganwiro yezvivi zvavo; 78netsitsi dzemoyo dzaMwari wedu, mauri mambakwedza anobva kumusoro anotishanyira; 79kuvhenekera vagere murima nemumvuri worufu, nekururamisa tsoka dzedu munzira yerugare.

80Mucheche akakura, akasimba mumweya, akava mumarenje, kusvikira zuva rekuratidzwa kwake kuna Israeri.

Copyright information for Shona